Beta Wabata Dhliwayo
Wabata,
Dhliwayo,
Rufura,
Mambereere,
Mauruka,
VaChimapwere,
VaMutiwakopa,
Mutukuti wedanda,
Majeketera,
Manjuru,
Mazivanguva,
Maita Matsindira,
Diutu rangu riri,
Madzivire,
Musikana anenge ishwa
Inodiyiwa namanhenga ose,
Maita Beta,
Maita ishwa yangu yiyi,
Dzikarinda hadzidyivi,
Aiwa zvaonekwa Wabata.