Bonga Chibwa


Mazviita Bonga,
Maita Hwenje,
Ngambangamba,
Maita Bonga rangu riri,
Chinongo chenyama,
Vari kumadziva masere,
Okuna Rusape,
Zvaitwa vari Manhando,
Zvaonekwa vari Tsoka,
Muerambwa wangu yuyu,
Maita vari Dumbamwe,
Zvaitwa Bonga,
Maita vari Mashayamvura,
Zvaitwa Gwekwerere,
Mhumhi yangu yiyi,
Dehwe rehosi,
Tatenda vari kuMhoto,
Maita vari kuTemaruru,
Zvaitwa vari Nyaurombe,
Maita Chibwa,
Mwana waMadziva.