Gumbo Madyirapanze


Mazviita Gumbo,
Maita zvenyu Madyirapanze,
Vaidyira panze nokutya Vaera shiri,
Hekanhi Chidonhamuto,
Chidonhamukaka mhuru, inobva muGona,
Chifukamakono hadzi dzakatseketera,
Shava huru yakapamba Gona,
Gara ramasango, chipauro chamafuta,
Godzamuto mhuru inobva Gona,
VoRufura,
Venzeve tsvuku,
Mushukuro weGona,
Vane chitanga chisizari n’ombe,
Chinotozara musi wezvita,

Maita vari Masakadza,
Maita vari Njaidza,
Navari mhiri kwaNyazvidzi,
Maita vari Hwiru,
Tatenda vari Chikwidzire chamabwe machena,
Chakada mutema muzvare Mataruse,
Hekanhi vari Raubwi,
Vari muhari huru,
Vari chikomo chaMambwazhe,
Mhare yokurwa yaiganza kunge handira,
Zvaitwa Chisema, Sambiri,
Chikara wepanze,
Chifamba namana,
Chifuramakuru, mazondo tinodya,
Maita vari Svikire,
Vari Maturi, vari Chivende,
Vari Hubvumwe, Chiputsamakuru; Godzamuto,
Vari Hwiru yaMazonde vokuda nyama,
Vanoera gumbo remombe asi mutumbi wayo vachidya,

Shava yangu yiyi, Chitanga, Chikanyamatope,
Maita vari Mapfukudza kunodyiwa boora nechirimo,
Naka muchadya makunguo huku dzarova,
Hekanhi Madyirapanze, Ganyamatope,
Kuti vane nzara vaponewo,
Hekanhi Musipa,
Mareranherera, Matsikapasi kuzorora huvata,
Hekanhi Gutu, hekanhi waGona, ndisengei,
Senga nhundwa, senga musoro pane romo neziso,
Hekanhi Mhandamakan’a, Matakuradumbu,
Matangakunwa muviri une nyota,
Vatambi vomuGanyiro,
Matsika pachena napane rima,
Hekanhi Masengedzwa,
Bumazvirema,
Teveratsimba mutsvairo wenzira,
Hekanhi Murendo, Mushayachirashwa,
Mafuta tinozora,
Runyanga igonamombe,
Gumbo mubhadha, dovo tinowadza,
Nyama tinodya, mukaka tinomwa,
Muswe inhawo, ndove inodzura mumba,
Zvaitwa Chitova, mushukuro wegonamombe,
Tikasidai kuenda tichidzokera wani,
Zvaitwa Mangaingai
Shanga iri muuchi
Godzavakadzi
Varume vachifa nechina
Aiwa zvaitwa Gumbo,
Chinemukutu, maKorekore.