Gwai Gumbi


Maita Gwai,\
Chinhove changu chichi,\
Vane chuma chisingaverengwi,\
Vakatorerwa umambo namabvakure,\
Isu hanzvadzi tisakashaya,\
Vane imba yakazarwa muRungu,\
Maita Hwai yangu yiyi,\ Ikachema kunofa dangwe,\
Ukaidya unopera mazino,\
Maita vokwaChinhove changu chichi,\
Vanofa chihwaihwai,\
Maita zvenyu vari Ruvamba,\
Vari Mharamasimbe,\
Kuziva zvenyu vari Manyewe,\
Vari Baramanza,\
Vokwamabvudzikwanda,\
Mazhinji ndoazere tsine, \ Tatenda vari Mburwi,\
Chakatyoka chiramwa, ndochadaidze wacho,\
Mhodzi yefodya kubarika panomera imwe,\
Zvaitwa Chuma,\
Zvaitwa Gono,\
Zvaitwa Gumbi,\
Zvaitwa Gwai,\
Maita Usanga, maita Chuma,\
Vari KuMiuyu misere,\
Maita vari Mhondoro,\
Maita Sembe,\
Chuma-chitunge.\
Kamba ane ndoro pamusana,\
Tatenda Chinhove changu chichi,\
Zvaonekwa vari Doworo,\
Maita mwana waGora,\
Aiwa zvaonekwa Gwai rangu riri.