Humba Nyanguru
Maita Chiunga,\
Maita Humba,\
Mwana waMakombe, Chomera,\
Maita Ngurwe, Mutakurwa,\
Zvaitwa tateguru wangu Makombe,\
Mwana waDukudza, ari Jekacheka,\
Maita Chirema,\
Chirimanemuromo,\
Mapadza aripo,\
Asi muchiapa varanda,\
Maita vari Barwe, Gwindimgwi guru,\
Vanodzira imba namatope,\
Muno moromo unenge gombe rokucheresa mvura.\
Zvaitwa Ngururu,\
Makapedza rudzi rwavamwe nenyuchi,\
Maita VaKarota,\
Zvaonekwa Rima,\
Tatenda VaChevakaranga naChibonoro,\
Zvaitwa waGosa,\
Mwana waZunzangara,\
Tinotenda vari Matitima,\
Kuna Nyadekese, kuna Zambezi,\
Aiwa zvaitwa mwana waMatope.\
Zvaonekwa Nyanguru,\
Zvaonekwa Humba,\
Ngurure, Chitambanamatope.