Kutambira chauya nomwana -- Nzou


Titambire mwanangu Nzou,\
Titambire wari Nyakonda,\
Vari Minanga,\
Vari Chiongotere,\
Vanokwira naNyatembo,\
Vachidzika naNyagoko,\
Maita vari Tsvangakososo,\
Vanodzika naNyamherere,\
Maita vari Dombojawa,\
Vana vaMutemashinga,\
Zvaonekwa Nzou yangu yiyi,\
Aiwa zvaitwa mukono waZinhu.