Kutambira hombarume -- Mufakose
Kaziwa Shava,\
Mwana waShirichirima,\
Ko, wabva nokupiko muboka? \
Muri kutsvakeiko izvozvi?\
Ko, maneteka izvozvi?\
Tinotenda Shava,\
Madotidzigiriko musango mamunofamba umu?\
Ko, madowaneko, masango akafira marombe aya?\
Inga wafa nezara iwe,\
Uya kuno mwana waShirichirima,\
Ko, idzi mhandireka idzi,\
Tidoputitsa pano apa,\
Ko, nhapika dziri muno muvedeka idzi,\
Madzoka Zvidzingiri, hunguka,\
Hoyo mukaka, mukobvuka uyo,\
Baba Shava, chokumbura,\
Ho-o, taguta zvino, uyaka pano Shava,\
Dotipira muboka kwawanga wafamba,\
Waona seiko, madomutsa mhuka here?\
‘Taona Mhofu.’ Ko, mbizi?\
‘Mbizi taiano.’ Ko, nyati?\
‘Aa, ndiyo chikonamombe, taiona kwazvo,\
Inopfura, inouraya, haiteverwe.’\
Ko, mbada? ‘Mbada ndiko mabara norugotsi,\
Kanopa usveru kwavanhuka kana uchivhima musango,\
Ukasangana nembada, chenjera,\
Inokupedzai, mukawana mbada, temai kasanzu,\
Inorwisa nakasanzu, ndokaunoidzivisa ikako,\
Kuti uirove nedemo.’\
Nhaka Shirichirima, tinotenda Shava,\
Matitudza mwana waNyamhangambiri.