Kutambira mweni -- Gwai
Titambire baba wangu Murimirwa,\
Mandibvira nokupiko Mudyiwa,\
Mwana waMuswaka,\
Muera Gwai,\
Nhasi mbava nokupiko Murimirwa?\
Maita zvenyu Mudyiwa,\
Tatenda baba wangu.\
Nhasi ndinoita sei ko baba wangu\
Muchindivinga kuno nhasi nhai Gwai?\
Hweni hwangu nhasi hunodyeiko?\
Mauya baba wangu Parirehwa.\
Maita nhasi baba wangu Murimirwa,\
Mauya mwana waMunyaradzi,\
Mwana waKausiyo naNyamadomba,\
Mwana waMuzinde naMurwira,\
Mwana waMarumisa naMudimu,\
Mauya mwana waMuswaka naKanjiri,\
Vanhu vasingadyi hwai,\
Kudya hwai zvinoera,\
Nhasi vari kumhepo vandifungawo wavo.