Kutenda Muzukuru -- Humba


Maita varume vangu,\
Maita baba,\
Maita mwanangu Humba,\
Zvaitwa vakara vangu vava,\
Zvaonekwa Nyanguru,\
Tinotenda baba wangu ari muchuru,\
Matigirira usavi,\
Mati mwana asvuuka mukamwa nomuboora,\
Nhasi tinoravira kuseva,\
Zvaitwa vari kuMhepo,\
Zvirambe zvakadaro,\
Aiwa achigarira papa vahombarume,\
Zvaitwa Ngurure,\
Zvaonekwa mwana waKagoro Kabudu.