Kutendwa kwavanakomana vokwaChihota


Maita Tembo,
Zvaitwa baba wangu,
Gara ramasango,
Muuya—-Saurungwa,
Munodya nyama isina munyu,
Chigadhugadhu
Chinogadha Matendera,
Maita mwana waChihota,
Akabve Manyika,
Mbizi yegono,
Romo ungati chikari chebumhe,
Zenze rinenge mateka omupunga,
Musaone kukudza romo,
Mutupo ndowenyu,
Musati hutukwa,
Chinakira matondo,
Mhuka isina mupatsa,
Hekani mudzani weRenje,
Vadzimba vari Marondera,
Vakadzana Renje rikabvooka,
Maita Matendera,
Manjenjenje ganda ravasikana,
Kuringa mbizi huringa makumbo,
Kuringa kumusoro kuna mahwara.
Zvaitwa Mbizi,
Zvaitwa vaHota.