Madanha omugudza -- Dziva
Hekanhi Nyakuzvidzwa,
Shayamombe,
Hekanhi Chikambasvina,
Takaone kunyekanyeka,
Tikati tawana usavi,
Tisingazive kuti usavi hwavashe,
Hi-i,
Maita Dziva,
Maita Save,
Bwenje ukutu bwunogara ngwena,
Maita Pakuru Mueranamasa,
Makurukurwi akave mvuu,
Zindinginda hore irimudenga,
Chikamburamatope, changu chichi,
Hekanhi muNhobvu wangu uyu,
Hi-i!,
Maita Sambiri.