Madanha omugudza -- Murehwa


Zvaitwa Murehwa,
Mukonde wangu yuyu,
Hekani Mbereka,
VaMurova pachitinhira,
VaChibatebate,
VaChiokochisingatunhwi,
Maita VaRisinamhapa,

Mvurume,
Pambambarize mobviswa munoti, ‘Ndofira pano.‘
Pamasvosve munotakura chara negumbo,
VaHuye Mukonde,
Muchinamatira paruware somunokuya mupunga,
Mava pashongwe makarara mukono waTingini,
Hotokoto inokwira naMubvinzi,
Ichitamba naye seinotamba nepwere,
Kana neziya haribudi,
Zvaitwa mukono wangu yuyu,
Chizororai zvenyu muri pachiro,
Muchiita padiki padiki muchinwira mvura,
Hauone! Zvaitwa nzombe yaTingini,
Inokwira Rupara nameno.