Madanha Omugudza - VaRozvi


Hekanhi Moyondizvo,
Bvumavaranda,
Vakadzi vachiza vomene,
Maita vokwaMutinhima,
Gorokotera riri mudanga,
Zimwanenyanga,
Dhewa rangu,
Nyamusimiramombe,
Kusimira mbudzi urombo,
VaMatururamvura,
Mambo asitandavari.
Kutandavara kunze kunova mubvumbi,
Ziendauchisiya,
Vane mudzi unobva Mabvazuva,
Uchindobaya Rupango,
VaChisiyandanyara,
Hekanhi,
Maita chamba changu chichi,
VaChipedzanyota vangu vava,
VaKunotinhira,
Hwedza kunova mubvumbi,
Vane mwando unoriga zvuru,
Uchisiya miti imire Dzimbabwe kwaMambo,
Yuwi!
Nhasi zvangu,
Ndokubatai napapiko Sahayi?
A!
Vezvite,
Vesviromo svitukutuku svine nzungu inosvitsa dakataka,
Mafimbiri,
VaChaonamudhondo,
Vari Urozvi Nhandare,
Maita Moyondizvo,
Hekanhi Chiuya changu.