Madanha omugudza -- Wachenuka


Hekani Soko,
Hekani Wachenuka.
Hekani muJena wangu yuyu,
Maita Chirongo,
Maita VaChibatebate,
Chipfuyavarombo,
Maita VaChipfuyanherera,
Vanopfuya nedzisi dzavo,
Maita Hurudza,
VaMunayisi vemvura,
Hwatikwati mumaware,
Utezutezu mumiti
Hekani VaMupachirimo,
Zhizha kunyima,
Vapwere kurefu,
Vakuru pachiro,
Hekani Soko,
Hekani Wachenuka,
Aiwa chizororai muri pagonera.