Madanha omugudza -- Zvimbakupa


Evo Tembo,
Hekani Mbizi,
Mbizi ine chivara,
Hekani zvangu!
KuMazunguza-mangwere,
Vane mhuno dzinofura dzihwa,
Dzavamwe varume dzichifura mvura,
Mashongera, Chivaraidze.
Hekani Dhuve,
Maita baba,
Maita vaHota vokwaMutasa,
Makatwasanura nyika ino,
VaManyika veZomba,
Mazonyika chimera muno,
Makanga musina anonyika.
Hekani muZomba wangu yuyu
Varume vangu,
VokwaMbizinyoro,
Vazere Dzangare,
VokwaChibandamujodho,
Chipfupa chisina mwongora.
Kuringa mbizi huringa makumbo,
Kumusoro kuna mahwara,
KuMazunguzamangwere,
Njuma isina nyanga.
Maita VaChiteketeke,
Muno kutendwa kuno mubvururu,
VokwaMunakirapasi,
Gunde repwa, muchembere wegono,
Muno mutupo usingagarwi nenhunzi,
Mukati chidao chisina masvisvinwa.
Hekani Manjuma, Ngwere,
Maita mwana waChivazve, Njumahuru
Inobva muhombodo.
Kurima ndokwavakadzi,
Varume pakuvhima,
Munoti, ‘Gushe musuva,
Muriwo ndimi.‘
VaChipanegombe, mombe njuma,
Makanditi, ‘Siya amai,
Tizoswera tichirezvana.‘
Nanhasi nyama tinogodya,
Nehorwe zvose zviripo.
Uchi tinongotamba nahwo,
Maita Matendera,
Muranda wehukwe.