Mbano Matemavi
Evo Nzou, Makunda,
Maita Mbano, evo Musiyiwa,
Mwoyowevhu,
Zvaitwa Madzorera,
Maita zvenyu vomuGoromonzi,
VokwaChikwaka,
Zvaitwa vemvuto chena, vomuDzimwe.
Maita Matemavi,
Mbano yangu yiyi,
Chiuya chingenge mukaka,
Chinodyiwa navasina meno,
Mhuka isina mutumbi,
Chiuya chavachafema,
Maita vari pamhiri paNhora,
Vari Dzimwe muGoromonzi,
VokwaChikwaka,
VaChivakanamabwe,
Kuvaka nomuti unosakara,
Kana kudyiwa nomuchenji,
Maita zvenyu vari Mutiwaora,
Waita waCheza naBenhura,
Zvaitwa maKorekore,
VaChipanomwoyo,
Aiwa tatenda Musenda,
Zvaitwa, zvaonekwa vari Dzimwe.