Mbuya Chikonamombe
Maita Mbuya,
Maita Gusho,
Maita vari Gombwe,
Kuziva zvenyu vari Rare,
Hekani VaDzete vakabuda muRenje,
Vachiuyao kuno kuzoititsvagawo VaMaromo,
Zvaitwa vari Zvihota,
Vana waMaromo,
Gusho rangu riri,
Maita zvenyu Mhara,
Mbuya Chikonamombe,
Mashayamombe,
Manyuka angu yaya,
Makanyaya churu namate chikave murove,
Maita vari Gangarahwe Mukonde,
Kune Mhara inobhururuka,
Yakaera kutsika pasi kana yomhanya.
Kuziva zvenyu Mhara yangu yiyi,
Makanga musorwara mhezi,
Makatotozadzwa mhezi navaranda,
Mazviita zvenyu vokwaSadzadete,
Gobvu rinokonza chitsa,
Maita Dzangare,
Vauyauya vakabva Renje,
Maita VaMaromo, Chigumbu chino unye,
Chinotodenhwa huri usiku,
Kuchidenha masikati chinovava,
Maita vari Zvihota, chikomo chakaumbwa nevhu,
Chisina kana nakatombo zvako pamusoro,
Chinowanikwapo chisipiti chete kunge nhova yomucheche,
Maita vakwaMaromo,
Vanocheka zviyo namagaro,
Vachifura dzihwa norurimi,
Maita vari Nzangare,
VokwaMukohwanyemba,
Vanokohwa dzisingapfutwi,
Aiwa zvaonekwa Gusho,
Zvaitwa Mbuya, Chikonamombe.