Mheta Chiwambo


Mwaita Mheta,\
Musvovanapasi,\
Mwaita Chitaka,\
Chifambanedumbu,\
Mwaita Shato,\
Wazere Nyangani,\
Mwaita wari Nhani,\
Chipahumba,\
Mwana wemhoni,\ Mwaita Chiwambu,\ Mwaita Mbeva,\
Mwaita Svova,\
Mwaita Masango,\
Mwaita wari mumhute,\
Warere muna Muwozi,\
Wari muzimbu guru.\
Nhumba isina musiwo,\
Inotozaruka wakaranga wapedza mawere namabvi.\
Zimba rine mbiya nendiro dzisingadirwi mvura,\
Mwaita wari mumakomo eNhani,\
Aiwa maita WaNyama,\ Zwaitwa Chipahumba,\
Wana waKaterere,\
Aiwa zvaitwa Mheta.