Moyo Akatakwa
Maita Moyo,\
Akatakwa,\
Chirandu chamambo,\
Mwana waKuredzamuswe,\
Mawire,\
Dunzvi renhika,\
Chiri mugore,\
Chikwarirwa chakabeta mwanzva wenyoka.\
Maita Sahayi,\
Mhumba yangu yiyi Nhandare,\
Dooremhuka,\
Dunzvi renhika,\
Aiwa zvaitwa Mugoverwa.