Moyo Chirandu


Mazivita Moyo,
Maita Chirandu,
Gonoren’ombe,
Mushayachirashwa,
Mukaka tinomwa,
Mafuta tichizora,
Nyama tinodya,
Ganda tichikakise ngoma,
Ndove tinodzurisa mudzimba,
Muswe tinopumhisa,
Nyanga tichiita gonan’ombe.
Maita Chirandu,
Maita Moyo,
Mukami wemombe,
Gono raMutindi naGochedza,
Vari Maronga, chikara chaMandara,
Maita vana vaPfupajena,
Vari muDuma neChidumana,
Maita vari Dikitiki,
Vari Ushava,
Mushenjere wavaDuma usina pakaminama,
Pakaminama tinoorora,
Mhuri inobva Mandara,
VaMarevanherera varorera nedzavamwe,
Ndikafira pano wani,
Kudai kuenda ndichidzoka zvinoita huyo,
Chinondiona sechina meso,
Navaripowo namangwana musanyara.