Moyo Muturikwa


Maita Moyo,
Muturikwa,
Maita Nhumba,
Chirandi changu chichi,
Maita vari Tsokoto
Varere kuMakomo,
Zwaitwa vari Nhandare,
Maita vaReve,
Tatenda vamazhumu,
MuGutsa wangu yuyu,
Vamabwe machena,
Vachipwanyamateteni,
Maita vari muna Shavanhohwe,
Moyo wangu yuyi.
Aiwa zvaitwa Muturikwa.