Moyo Muzukuru


Maita Moyo,\
Zvaitwa Muzukuru,\
Maita Gono, Chirandu,\
Zvaonekwa VaNhohwepasi,\
Zvaitwa vari Makove.\
Kuziva zvenyu vari Bokoto,
Tatenda vari Matukutu,\
VokwaMangwende,\
Vari Mahwemachena.\
Zvaitwa vari Mahobo,\
Zvaonekwa vari Chitopi,\
Maita vari Zariro,\
Vakabva kure,\
Nanhasi tinongova nemi wani,\
Dai yaiva mvura hayaipwa,\
Yainwiwa nevari kure,\
Maita zvenyu Moyo Muzukuru,\
Zanorenzombe;\ Mugonakuronga nhau,\
Ziva wako,\
Nhowa mutaba wakaora,\
Chako idya nehama,\
Mutorwa ane hanganwa,\
Inga tinemi wani,\
Vari Maseyekwa neTsongoro,\
Nhumbha, maKorekore,\
Aiwa zvaitwa Moyo,\
MuNhohwe wangu yuyu.