Moyo Nematombo


Maita Moyo,
Maita Nematombo,
Bvumavaranda vakadzi vachiza voga,
Kuziva zvenyu vari Urozvi Nhandare,
Vomuti unokope chirimo,
Kukope zhizha unoshura ndove,
Zvaitwa mwana waMugumu,
Maita Dzimbabwe,
Mazvita vaMurumbidza,
Vakarumbidza mhuri nedzisi dzavo,
Maita Sahai Mhondoro,
Vano muti unobva Njaira,
Ukarinza matehwe achaona,
Tatenda Maseka,
Kutsamwira munhu zvina mashura,
Maita Moyo yangu yiyi,
Mwana waMavhura,
Maita veMhaswa,
Vane meso ari pakati,
Mudavakadzi,
VokwaNyokahaisvosi,
Ukaisvosya inokuruma,
Vorupazho rutetetete,
Rukobvu runoparura nguo,
Maita mwana waGumboremvura,
Mambo usitandavare,
Kutandavara kunze kunova mubvumbi,
Maita Sahai,
Maita Chirandu,
Tatenda muGomo wangu yuyu,
Aiwa zvaonekwa Moyo,
Zvaitwa Nematombo.