Moyo Shavamombe


Evoi Moyo,
Shavamombe;
Maita vari Manhize,
Kuziva zvenyu vokwaMudimuranwa,
Maita veChigara,
Maita vari Chikapakapa,
Maita vari Chikomba,
Zwaitwa vari Man’ozhwe,
Vakaumba churu namte,
Maita Moyo yangu yiyi,
Zvaoneka Shavamombe,
Aiwa zvaitwa mwana waMurambwa.