Moyo Sinyoro
Maita Sinyoro,
Zvaitwa Muroro,
Vagari vamachira,
VaZunga vamachira machena,
Vakauya nomumvura
Kuzoshambadza ndoro nendarira.
Kuziva zvenyu vashambadzi,
Maita vezvivuya zvinenge mukaka,
Unodiyiwa navasina meno.
Tatenda vadyi vamazai,
Vamupfuramagidi,
Nguo takasuka kare,
Maita vari Chirozva,
VokwaMuzunza naMuroro,
Madyambwa angu yaya,
VokwaMuvhimavaranda,
Vari Rambamhuru,
Zvaitwa vaMuchicha
Vaeni vakauya vakatakura umambo,
Vanodya maroro vakatambarara,
Vadyi vendatsva namashongadede,
Vabvakure,
VaChitsvachirimurutsoka,
VaUsuunjenjema,
Vagere Zvinjanja,
Vene vepasi,
Vanofamba vari padara,
Vazukuru veShiri,
Ziendanomudenga,
Vane hama dzakaperera Chirozva,
Mazviita VaSena, maita Moyo,
Mutupo mukuru waierwa Dzimbahwe,
Nyama inyoro mutupo usina mupatsa,
VaChumachitete, chikobvu chinobanduka,
Aiwa zvaitwa muNjanja wakaroka.