Moyo Shavamombe
Maita Wadyegora,
Evoi Moyo, mwana waRusike,
Maita vari Dombotombo,
Kuziva zvenyu vari Mazave,
Maita zvenyu vari Mandoga,
Kurere N’andu naNherera,
Maita varere Mahwemachena,
VokwaMuzarabani, vari Shangura,
Vari Chikombore, vari Dudzu,
Wadyegora wadye mangava,
Hwedza rinokudyawo,
Maita vari Chikomba,
Kuziva zvenyu vari Mutandavarwi,
Tatenda vari Chikapakapa,
Zwaitwa vari Munzwamukuru,
Maita Chirandu,
Mukonde wangu yuyu,
Zwaitwa vahombarume vari Nhumbe,
Aiwa zvaonekwa Moyo, Wadyegora,
VokwaRusike,
Varere kuMatumbaarira neBinda,
Aiwa tatenda vana vaMuzarabani.