Moyo Wakapiwa


Maita Wakapiwa,
Maita veGuruuswa,
Zvaitwa Chirandu,
Hekani Moyo yangu yiyi,
Kuziva zvenyu vari kuMatsvitsi,
Vari Tanganyika, Mutakurwa,
Maita Bvumavaranda,
Vauya veMhani,
Hekani Moyo, Wakapiwa,
Mwana waMukwengapasi naMunyepi,
Vaera Moyo, vanosweroteverwa navakadzi,
Moyo Wakapiwa pasi rose.
Maita vari Zangaome, vari Mahumwi,
Hekani Mbuya, Ziriwosehwa.
Maita vari Garara, Matandare,
Tatenda vari Daranjiva vana vaMupfumbwa.
Hekani Moyo, vari Mahusekwa,
Zvaonekwa vari Jeranondo,
Chipfuwamiti, vakadzi vachiuya vega,
Gwezevanhu vari kuna Mucherangombe,
Maita vari Wona, totenda vari Dikitira,
Mwana waZiriwosehwa,
Hekani Nhandare,
Maita vari uRozvi Nhandare, vakabva Guruuswa,
VaMunayisivemvura,
Vanotocherwa pasi kuti uvawane,
Maita vari Daranjiva,
Kuna baba waDhima naChimunda,
MuZungu, Mugarandakatakurwa,
Moyo Mudiwadiwa, Chisakarambirwa,
Pachipfura napo vanoridza mhururu,
Vana vaZiriwosehwa vakanyn’aya churu namate,
Churu chikati nyn’akata,
Maita VaMoyo naVaMunombirei,
Maita vari Matsvitsi neChikura.
Maita vari kuna Mutanyn’a,
Mukono wakarwa pasi.
Maita vari Makaha, vana vaMuzarabani,
Zvaitwa vari Mahanwa; hekani VaMwenda,
Aiwa zvaonekwa Wakapiwa,
Maita vaMhani, Moyo.