Moyo Zuruvi


Hekani Moyo,
Maita Zuruvi,
Vomazhumnu,
Vari Zvipindu,
Vomabwe machena,
Vano mutupo unorira mudemhe sembira,
Vana vaMudziviri,
Maita Vareve,
VokwaNyamweda,
Vari Nharira,
Zwaitwa vari Meza,
Maita Nematombo,
Hekani vari Bupwi,
Aiwa zvaonekwa Mureve wangu yuyu,
Wakabva Gururuswa.