Moyondizvo


Evoi Moyondizvo,
Bvumavaranda,
Vakadzi vachiza vomene,
Dhehwa rangu, vakami vomukaka,
Sahayi Mhondoro, vene vavanhu,
Moyondidzo,
VaChuruchamapfunde manji,
VaChirisamhuru, muzinda wen’ombe,
VokwaChumachamambo, chamachira chinosakara,
Mupfudze waNyan’ombe, Chiwanzamukaka,
VaMubvumira,
VaDzimbahwe,
Vano muti unobva Njaira,
Uchirasira mhaswa matehwe,
VokwaGotakota,
Zinwanenyanga,
Vasingaringwi usu, Jengetanyika,
VaChaona mudhondo, vagadzi voushe,
Vokusamba mukaka,
Kusamba mvura ina madzongwe,
Vari Manyanga,
Vano mudzi unobva Mabvazuva,
Uchindobaya Rupango,
Vakapera nenda muDzimbahwe,
Chipauro chamafuta, VaChisiyandanyara,
VaMupfudzewadikiti,
Vari uRozvi Nhandare,
Kuno muti unokope chirimo,
Zhizha uchikope ndove,
Mururamunhanga, vesviromo svitokotoko,
Svine nzunga inosvitsa dakataka muChidoma,
Vorupazho rupwetepwete runonamiswa imba,
Vezvikwechekweche navavidukira,
Asina kuvindikura anowana zvaenda nomwando,
Dyembeu kurima kwakona mutengeni wazvozvovenga,
Mambo usitandavara mvura inova mubvumbi,
Vedhombo rakakona chimwanga namarangadya,
VaMatururamvura zienda vachisiya,
Nyamutorazvose, nyama tinodya,
Mafuta tinozora.
Mukaka tinomwa nokuseva sadza.
Dehwe tinowaira, nyanga igonan’ombe,
Ndove tinodzurisa mumba, muswe ndewenhawo
Gorekotera chiri mudanga, ndambachirashwa.
Hekahni Nhandare mupfudze uri mudanga,
Haiwa, tatenda varidzi venyika,
Zvaitwa Sahayi,
Muzinda wapasi, Changamire.