Nhari Unendoro
Mazvita Nhari,
Unendoro,
Zvaitwa Maokomavi,
VaZungu veDande,
Vari mumatanga,
Vakabva Mazumba,
Mbira dzichirira mudziva,
Maita Nhuka,
Mombe isina muusi,
Muusi ndini,
Kuziva zvenyu VaNyamombe,
Nhuka Musikiti,
VokwaMugarahuombwa,
Vane mhuka isingaoneki,
VokwaChotakurwa,
Vana meso anenge embiti,
VokwaMuchemwaneshiri,
Vano kufamba kunenge kukavira nyimo,
VokwaJekamvura,
Maita Nyamasvisva,
Vanofamba namago panyanga,
VokwaMhepoinorigazvuru,
Ichisiya hunde dzemiti muTsunga,
Mwana waBiri naGanyire,
Anokura asingazivi murimo.
Aiwa zvaonekwa Nhari yangu yiyi,
Zvaitwa Unendoro,
Maita muTsunga weDande.