Nhetembo yavanasikana vokwaChihota
Maita Tembo,
Tatenda Mbizi.
Mbizi Nyakasikana
Chinyamugake jonya-wachonya
Musati hutukwa mutupo ndowenyu,
Zvaitwa VaNyemba, vakadzi vaGunguo.
Kuziva zvenyu vari kuMandairei, KuManyochwa,
Kurere Bindu naCHigudza,
Zvaitwa VaNyemba muchembere.
Makazvishinja neshungu navaranda venyu,
Monyara kutarisana navababa muchembere,
Nemhaka yaGunguo muRozvi,
Akanga atsika chisangochivi.
VaNyemba, Muroro wangu yuyu,
VeChigara chaGunguo,
Maita VaNyahuva,
Zvaonekwa VaChipute
Muno mutupo unorira mudemhe sembira.
Maita Mbizi, mwana waChihota,
Zvaitwa VaTembo, VaChivaraidze,
Muno kupa kunenge kuramwa,
Mukati tsitsi dzinenge dzetsoro
Inotsunga kuriritira vana vasi vayo.
Tatenda VaNyemba muchembere,
Muna mazeketo akatenga nyika yaChihota.
Zvaitwa MaDhuve,
Zvaitwa VaTembo.
Maita vari uZomba mukonde wangu yuyu,
Aiwa zvaonekwa mwana waChivazve.
Zvigare zvakadaro narinhi.