Nhetembo yavanasikana vokwaSvosve


Evo Soko,
Zvaitwa? Mwenewazvo,
Maita vaMbire,
VokwaChinotakurwa,
Vanotakurwa negumi,
Masere ari mugwara,
Maita VaHuye Mukonde,
Tatenda Maresvausu,
Veguvi rino mupunga,
Gama umire,
Hore iri mudenga,
Kuziva zvenyu vari Madzimudzangara.

Maita vokuMakomo,
Dungwe reGahadza,
Maita vokuDendenyore,
Vano kufamba kunenge kukavira nyimo,
Kutizira kuchinge kudyara nzungu,
Kuseka kukange kupenyn’a kwemvura.

Maita Mukanya, Mberekamacheche,
Vamabwe machena,
Aiwa zvaitwa VaChigumbate,
Makafukata vashe rikave bofu,
Zvaonekwa VaChirongo,
Vanayisi vemvura.