Nhetembo yavanasikana vokwaMangwende


Maita Moyo,\
Tatenda VaMoyo vakobvu,\
Inga tinokuzivai wani,\
Nhayi VaMoyo, Mubvakure,\ Maita VaNyamita,\
Mwana waKamoto,\
Vari Mahwawa Chirandu,\
Maita vari maKoreKore.\
Vakabuda nomumvura,\
Nehwai dzikapera,\
Zvaitwa vari Chitopi,\
Mukagodai vani kusvika kuno,\
Nokufamba VaNyamita Muchembere.\
Maita VaMoyo Muzukuru,\
Aiwa zvaitwa Chirandu,\
Zvaonekwa VaNyamita.