Nhetembo yavasikana vokwaSamuriwo


Hekani VaMoyo,\
Vane zamu rakarembera,\
Rinenge chana chembuveve,\
Kuribata unotenge unokwira mumuti,\
Kuyamwisa mwana unotoramba wakaribata,\
Kurirega rinotsitsa mwana akafa,\
Maita zvenyu’VaMoyo mudiwadiwa,\
Mune zamu rinopfidiya murume,\
‘VaMoyo, vanotaura zvavo vanoti,\
‘Kunaka kwaVaMoyo kuri muchipfuva,’\
Kubata gumbo raVaMoyo,\ Uno pedza mutunhu uchizinanzva,\
VaMoyo Mukonde wangu yuyu,\
Muna meno anenge mukaka,\
Uso hwenyu huchinge hwidzikwidzi,\
VaMoyo,\
Munoti kutsamwa denga rinenge rakwidibira,\
Maita mwana waZiriwosehwa,\
Mukonde wangu yuyu,\
Kuziva zvenyu VaMoyo,\
Makanyaya churu namate chikati nyn’akata,\
Churu chikamirwa kudya kwakakwawana,\
Vanhu vakadya vakaguta,\
VaMoyo mucherebere wangu yuyu,\
Munoramba kurara nenzara,\ Maita zvenyu Mugonderwa,\
Pamasvika rinonogova jemedzanwa,\
Zwaitwa VaMoyo, mumvuri wendumurwa,\
Pagarwa ndiro dambiro ravasikana,\
VaMoyo, muno mutsipa unokwirenda ikazorora.\
Tinotenda VaMwenda naVaMunombirei,\
Muno mutsindo unenge wenzou,\
Mukati miromo inenge zvitetere zvamapfupa,\
Hevo-o, musati hutukwa, mutupo ndowenyu,\
Maita vari Daranjiva,\
Kuna baba waDhimwa naChimunda,\
Tinotenda vari Matsvitsi neChikura,\
Maita veDikitira,\
Maita vari kuna Mucheranegombe,\
Zwaitwa vari Wona,\
Aiwa zvaonekwa mwana waZiriwosehwa.