Nhewa Simboti
Mwaita Nhewa,
Ingwe ina mawara,
Inobatira pakachena,
Ichidyira pakasvipira,
Mwazviita Simboti,
Chiruka, Nyakuzvibatira,
Chikatsa, VaMuteyi,
Mwaita wari kuTsoka,
Chirukamachira, wari Mhembere,
Mwazviita wari Mundimu,
Wanorima Nhewa,
Mhondi inopondera pachena,
Pasina kana negwenzi,
Mwaita wari kuChai,
Wanorima mayenza nechirimo,
Wazviita Buka iwe — Sanyanga,
Waita mwana waNyamaruodzo,
Akapinda mubuwe nembwa dzake,
Mwaita henyu wari kuUKuhu,
Muchenachirebvu,
Mwaita wari Tezi,
Mazviita Nyamuteyi,
Mazviita muTawangwena, muSena,
Aiwa zvaoneka Nhewa; Simboti.