Shava Museyamwa
Maita Shava,
Mhofu yomukono, Ziwewera,
VokwaMutekedza,
Vakatekedzana paJanga,
Vakapfiva vakadzi munyika yavaNjanja,
Hekani VaShava Mukonde,
Mwana waWakasa naMupepuri,
Vabayi venzou,
Vavhimira vakadzi nhema,
Maita Jichira,
Vetyaka,
Vanofamba nemago pahuma,
Mazvita nhasi vakwaNyashanu,
VokwaTsambochema,
VokwaRwira,
Maita vaHera vangu vava,
Vasidyi mhunga,
Kudya mhunga akave mashura,
Maita vokwaSadzadete,
Gobvu rinokonza chitsi,
Maita nhuka, Shava yangu yiyi,
Hekani Mutekedza, vari uHera Mukonde,
Zvaitwa Mhukahuru, yemiswe inochenga miviri,
Zinedanetyaka, mutunhu una mago,
Vanovanira vashura vhu, kutsivira mutumbi,
Chidavarume, vanovhimwa navanonga,
Vasakamonera vakadzi dzenhema,
Vanomonera vakadzi dzamangondi,
Vanochemera watanga,
Vane misodzi isodonha pasi,
Kuti yadonha yoda nhevedzo yeromunhu ropa,
Tinotenda vari Matehere,
Vari pazvikomo zveMbwenya,
Maita veTsambochema, Mhofu yomukono,
Kuyambura rwizi mvura yakwira makomo,
Totenda voMuchimbare, veGurushwa,
Vane nzanga chena kunge mwedzi wejenachena,
Kuziva zvenyu VaShava Mukonde, vari Gombe,
Zvaonekwa vohamburame, zvaitwa Mbiru,
Aiwa, zvaonekwa Sarirambi, zvaitwa Nyashanu.