Shava Nyakudirwa
Maita Masvinga,
Hekani muChamaya,
Zvaitwa mwana waKache,
Tinotenda Mhukahuru,
Maita vari Shangure,
Kuziva zvenyu vari Chikwidibire,
Maita matatateguru,
Vari Chamukwenjera.
Zvaitwa vari Maware,
Hekani Gurudza,
VokwaTungebwe,
VokwaMuchenje.
Hekani Bonda, Mhofu yangu yiyi,
Zvavonekwa mwana waMusanyange,
Maita Makanganya, Maguhwu,
Tinotenda mwana waMukanyadzi naNyanzira,
Vairandutsira vamwe pfumo rauya,
Richibva kune imwe nyika,
Aiwa zvaitwa Nhuka.