Shava Vhuramavi


Maita Shava,
Maita Vhuramavi,
VaSeke Mukonde,
VokwaVhanganyama,
Vakavhanga nyama nohwahwa,
Maita mwana waSeke,
Chikove,
Chidziwa china masahwa,
Maita waZengeza,
Ivo Masvinga,
Zvaitwa Chinerembe,
VokwaSadzadete,
Gobvu rinokonza chitsi,
Mazviita zvenyu vokwaMuchenje,
VokwaMunakirapasi,
Tinotenda vari Zvipindu,
Kuziva zvenyu vari Nharira,
VaHarava vokwaSeke,
Maita vari Rare,
Aiwa zvaonekwa Vhuramavi.