Shava Vhuramavi


Maita Shava,
Maita vari Baradzanwa,
Mushukuro waVaChimotsi,
NaVaNeranga,
Maita Shava yangu yiyi,
Zvaitwa Vhuramavi,
Zvaonekwa mwana waNherera.
Maita vari Mwenya,
Vari Pimbi,
Tatenda vari Mupfumbwe,
Vari Dangarendove,
Kuziya zvenyu vari Chitombo,
Maita Shava,
Maita Vhuramavi,
Aiwa zvaonekwa vari Gadzanga — Guwanda.