Shayamombe Dziva
Maita Shayamombe,
Mandindinga,
Hohodza vaDziva,
Maita Dziva,
Madziva,
Mucheka uzere mavi,
Maita Mhembwe,
Maita VaMhembwe,
Bandagobvu,
Gara pamasango,
Mazita Chikambura,
Zimbuya,
Hore iri mudenga,
Maita vari Divandongwe,
Maita vaMazhambe,
VokwaMusikarahuh,
Maita vaMbeu,
Zvaonekwa vari Nyaurungu,
Maita huru yavaMbeu,
Akabata Dzokota,
Dzivara! Dziva,
Ahoi! Dziva,
Hove iri Nyamasse,
Tamba yedzihwa,
Dambiro raysikana,
Hekani Vahosi,
Chisihongo changu chichihi,
Hungu,
Hekani Mironga,
Hekani Dziva,
Hekani Ganda,
Maita vaMugudzkava,
VaMwamba tsvina,
Maita vari Gojombi,
Tatenda Tote,
Maita Pakuru,
Maita vari Bembere,
Maita vari Chikore,
Maita vari Kuna Save,
Zambuko vari kuna Dzadze,
Maita Mukota,
Maita vari kuna Dzadze,
Maita zvenyu vari kuna Save,
Kwairombe,
Maita Shayamombe,
Aiwa zvaonekwa Marasamasa.