Shiri Maokomavi


Mazviita Shiri.
Maokomavi,
Maita Hungwe yangu yiyi,
Mudyanevana.
Kunyima vana zvinoshura,
Maita Hungwe,
Matapira,
Ziendanomudenga,
Pasi yakatya ndove,
Shiri isina zishura nomunhu,
Vari Shiri nebanga makara asionani,
Vakadzi kuvarume vavo,
Maita Matapira,
VokwaChinobhururuka,
Vedhodhi risingaoneki,
Vanoti vakati dhege,
Vari zvishavane vanopururudza.
Kuti, ‘Mazviita baba,’
Mazviita Maokomavi,
Mwana waChasura,
Matakomavi,
Chasurimudenga,
Maita zvenyu VaChifambanomudenga
Munouya vana vashuva,
Maita Muira Shiri wangu yuyu,
Shiri iri Hungwe,
Shiri chena, tarira kwadzinobva,
Maita Mudyanevana,
Nhombori yeshumba,
Muranda wamagaro,
Maita Gonerakudera, VaMurefu,
Mapatapasi,
Maita Shiri,
Maita Matapatira,
Aiwa zvaonekwa Maokomavi.