Shumba Gurundoro
Evoi Shumba, Gurundoro,
Zvaitwa vaMbari,
Maita vaDupwa,
VaSamaringa, Mhonderapachena,
Yakapondera pasina gwenzi,
Zvaitwa Shumba yangu yiyi,
Maita Mhonda, maita vari Dziva raSekwa,
Kuziva venyu vechikomo cheHarare,
Waita mwana waMbari,
Mukonde wangu yuyu,
Maita zvenyu vaera shumba nembada,
Mbada ina mavara mavara,
Isakananzva ichisiya rimwe vara rayo,
Haiti iri idema iri idzvuku,
Maita vomudziva raVaSekwa,
Maita VaDombwe,
Maita zvenyu mhuru yoMutoko,
Zvaitwa, zvaoneka mwana waMbari,
Shumba yangu yiyi, Gurundoro.