Shumba Jichidza


Maita Shumba,
Hekani Mushereketi,
Maita Jichidza,
Hekani Chibwa,
Hekani Bumhi.
Zvaitwa Shumba,
Vapungaidzi venyunyu,
Vofamba kuravira.
Maita vaNyandairi,
Matikaha,
Kuona chiso,
Ndokuvhunduka,
Hekani VaChibari,
Zvaitwa Gongoma,
Maita mashavi okuvhima,
VaMudzvovandiripamhene,
Varidzi vamatonÉ—o,
VaMuvhimazhizhanechirimo,
Zvokuvata masanga,
Aiwa zvaonekwa Mudzvovakamwe,
Zvaitwa Jichidza.