Shumba Murambwi


Maita Murambwi,
Maita Shumba,
Matikaha,
Kuona chiso,
Hekani Chibwa, Mushereketi,
Vadzimba vedu, variritiri,
Mutsikapanyoro vana vaChivi,
Vakanyairi, vadyi vemhuka,
Maita Shumba yangu yiyi,
Hekani Bumhi rangu riri,
Maita vaMhari, Chipamutoro,
Vari Nyaningwe,
Vari Chamhota,
Maita Shumba,
Mukwevera kwasviba,
Asingadyi chokupamba,
Maita vaMhungudza,
Vari Baradzanwa,
Zvaonekwa vaMhari,
Zvaitwa vari Chitonje,
Vanomuka ngwe namasikati,
Zvaitwa Matikaha nokuone gumbo,
Kuone mumhu vanovhunduka,
Maita varere Baradzanwa,
Kwakaparadzanywa baba afa,
Hekani Mhungubwe yangu yiyi,
Zvaitwa Mwana waChivi,
Aiwa zvaonekwa Mhungubwe,
VaNyamukanga, Makovere,
Zvaitwa muNyaningwe, Chibwa.