Shumba Sipambi


Mazviita Shumba,
Maita Sipambi,
Yakapamba nedzavamwe,
Vadyi vefazhakamwe,
Inodyarwa ikamera,
Maita Matikaha nokuona tsimba,
Kuona mumhu vana vanotya,
Mukakatirakwasviba,
Kumuka ndodzvova, kutsika zvovava,
Mutakuranhawo kuno munhuhwi,
Sipambi, mwana wechikara,
Chokanyaira chobva Magare,
Choinda Imbwarume chisina uta,
Zvaitwa vari Dinhire Chigarachibwe,
Vari Magare VaMupfurawatya.
Mazviita Mugonderwa,
VokwMusakadongo, veShanje
Vari Madzimudzangara, vari Sikanadema,
Zvaitwa VaTakainidisa.naMuzuva,
Vari Chaenda, vari Ruvhure.
Waita Charumbira Zvigonyati zvangu zvizvi,
Haiwa zvaitwa vaNhinhi, vari Nhinhihuru
Maita Saminzwa,
Zvaonekwa vari Nyanda.