Soko Chuma Murehwa
Evoi Chuma,
Soko yangu yiyi yaSamambita.
Maita Gototsa Mukanya,
Chuma chaMukaradzi china mahapa,
Chinoti kapa kapa.
Maita vari kuna Mhomhozi.
Maita vari kuna Mukaradzi naGwetera.
Kuziva zvenyu VaChigumbate,
Tatenda veMubvuma,
Maita VaSamambita naMunyeche,
Zvaitwa mwana vaChikudzunga naDerere,
Aiwa zvaonekwa vana vaMadziva,
Zvaonekwa vaDzeka naKabija.