Soko Murehwa


Maita Soko,
Maita Murehwa,
Zvaitwa Matarira, Soko yangu yiyi,
Maita Marovahombe, mwana webveni,
Chirongo changu chichichi,
Zvaitwa Mukanya, zvaitwa tateguru,
Zvaitwa Wagutahuzamura,
Maita zvenyu vari Kakoromokwa,
VaGurusvusvu, vana vaGurumwandira.

Maita Varisinamhapa,
VaChitambaneruwere,
Vamahobi anenge rihwa,
Zvaitwa Mukuruvara,
Mushonga namawere,
Kuziva zvenyu Mvurume,
Maita mwana waPfumojena,
Muranga nepfumo,
Maita VaJena, Chirongo changu chichi,
Vano kufamba kunenge kukavira nyimo,
Kutizira kuchinge kudyara nzungu,
Makudzagwara, vanorarama nezvokuba,
Maita vari Mandiya,
Vari Kaporomondo,
Zvaitwa mwana webveni, Makumbe,
Vakakumba zvose netsombori,
Mukati pahwenya napahwohwa namatunduru,
Matamba nehute zvose,
Vana vaNzvere naKanorimona,
Mhanza ichipenyn’a,.
Semheni yemvura yomunhurukwa,

Maita zvenyu VaChibatebate,
Pambambarize maiti mobviswa maiti ndofira pano,
Pamasvosve maitakura chara neguinbo VaHuye Mukonde,
Mava pashongwe mokarara mukono waTingini
Wakabva Mahumwi,
Kwakarera mukanwa nomunyu,
Maita mwana waChinamhora,
Vane vhudzi risingapumhwi,
Vana vaMushambanezhizha,
Zvaitwa mwana waTingini, ari Mahumwi,
Anokwira rupara nemeno,
Tatenda Chirongo changu chichi,
Aiwa zvaonekwa Mugagami.