Soko Vhudzijena Wachenuka
Evoi Soko,
Wachenuka, Vhudzijena,
Maita Mukanya, vene voushe,
Hekani Mbereka, hekani Makwiramiti,
Magaramugomo,
Makumbo mana muswe washanu,
VaMurova pasi pachitinhira,
Hekani Mukumbudzi, Madevanoruwere,
Vari Zvihota Mukonde wangu yuyu,
Kuziva zvenyu vari Mapfukudza,
Vari Chikwindingwi, vagari venhaka,
VaMudyazvarimwa, vegana paura,
Mazvikongonyadza kufamba hukanyn’aira,
Gudzamudungwe, VaZhwendende, vari kumatanga,
Maita Ganduri, VaChazezesa, vari kumakore,
Vagari vamabwe pasina chinotunhwa,
Makudzagwara, vameso ari mubako, vamahobi,
Vanhu vakaera mutupo mumwe nashe,
VaMushambanegore, vanodya zvokupara,
Vanorara parefu, pasina unosvika,
Soko Mukanya yangu yiyi, VaHuye Mukonde,
Zvaitwa Matarira, vari mumabwe,
Mhanimani tinodya, svosve tinobovera,
Maita zvenyu rudzi rukuru,
Vakawana ushe nouchenjeri,
Vakufamba hujeukidza kwandabva,
Vagari vapakatunhumara, rudzi rwenhundu,
Pagerwe rinongova jemedzanwa,
Hekani VaMutwa Mukonde,
Zvaitwa vachibatebate,
VaChiokochisingatunhwi,
Kugara hukwenya-kwenya,
VaMushonganamatavi, vanorarama nezvokuba,
Mafere tinogara, manhanga tichidyawo,
Manwiwa tinopakatawo zvinoita vamwe,
Chibahwe tinomwaurawo,
Magaka eduwo pamuromo,
Ipwa tichimenyawo,
Chiverere changu chichi,
Chirongo changu chichichi,
Vanengesvari vamabwe, venhombatsva,
Zvokudya ndezvenhamburirwa vari kapiri kaVaManhenga,
Wawana damba nderake, asi mhani ndeyashe,
Vari kuMawere marambakurima,
Zvibwezvitedza,
Zvinotedzera vari kure,
Vari padyo vachitamba nazvo,
Maita vari Mapfuka,
Maita muJena wangu yuyu,
Zvaitwa Mukanya, rudzi rusina chiramwa,
Maita vari Makoromokwa, VaMugarandaguta,
Aiwa zvaonekwa Vhudzijena.