Tembo Mazvimbakupa


Maita Mazvimbakupa,
Maita Mbizi,
Maita Zvimbakugova,
Maita tembo yangu yiyi,
Hekani Matendera, Ngwere,
Njuma isina nyanga,
Zvaitwa Mbizi,
Zvaitwa Chivara,
Njuma yeRenje,
Hekani vaTembo, Mashongera,
Manjenje ganda ravasikana,
Paswe-ziso-mombe-yomuchena,
Chinakiramatondo, Maruki, Musimira,
Mapfaravara Matungachuma,
Manyerenyete nyora dzenhurura,
Mazambacheka Mangarivari Matoyameso,
Mbizi yakashonga mikonde savakadzi,
Mhuka isina ukasha kana hundwa,
Zvaitwa Romo,
Zvaitwa Zenze,
Chigadhugadhu magunde evasikana,
Chitendera chamambo changu chichi,
Chishongo chavakadzi icho chiri mudondo,
Vachasiyesiye Mutsikapatinhira,
Vemiswe michena ine pfumvudza,
Maita vokwaMbizi-nyoro,
VokwaChipfuvachadziviremuto,
Mago matema akasvipa namagaro ose,
Vadyi vamachinda mazana. anorasirwei,
Kusvipa dzangare baba wako ano matura mangani?
Zvaitwa Dhuve,
Zvaitwa mwana waChihota,
Maita vaZungu, vakauya vari pamachira,
Kuringa mbizi huringa makumbo,
Kuringa mutumbi noruvara unoyeverwa,
Mhuka inoti kana yomhanya mumatombo,
Kuatsika unoona moto kuti cheru cheru cheru,
Chisikwa chino muririmira usina mhotswa nechimwe,
Kumira kungoti charavanda,
Ungati mheno anodziudza,
Kuwa kweBinga zuva rinoora.

Zvaitwa vari kutsoka,
Mahwemanyoro, kudziva raVaSenwa,
Zvaitwa vaHota,
Maita vaZomba,
Maita vari kuGwara,
Zvaitwa vari kuManyochwa,
Kwakafira Bindu naChigudza.
Totenda vari uZomba,
Vari Dzimbahwe, navari KuMabweadziva.
Maita vari Guvira mucheka wakasunge nyika.
Mazviita zvenyu vari Manyika, Bingaguru,
Vano mutupo usingagarwi nenhunzi,
Vakati chidao chisina masvisvinwa,
Maita vari Chirovarova, vari kuChai, Mahwemanyoro,
Kuziva zvenyu vari Zomba,
Kumashapa kunodyiwa ndurwe nechirimo.
Zvaitwa muHota, zvaitwa tateguru,
Hekani sikarudzi,
Maita zvenyu dehwe rembizi, gakangoma,
Muno kunaka kunokungurwa navagere zvavo.
Aiwa zvaonekwa Zvimbakupa—-Samaita.