Tembo Wakapiwa
Hekanhi Tembo,
VokwaChivara,
VokwaMudzinganisagumbo,
Vari Machecheche,
Machera,
Rukono rwaBhenhura,
VokwaNemhapa,
Vari Zimbabwe,
VokwaTachiona,
Nyewe dzazveve,
Maita vari Mandedza,
VokwaKuringambizi huringa makumbo,
Kumusoro kune hwara,
Zvaitwa vari Mandedza,
Mwana waWachekwemwoyo,
Aiwa zvaonekwa vokwaZiki,
Vamambwa matema.